Va Biti vanoti chakatarisirwa neIMF kutevedzera mitemo yemunyika pamwe nekuita zvirongwa zvekusimudzira hupfumi zvinonwisa mvura.
VaPishai Muchauraya vasungwa nemapurrisa neChishanu apo vange vari pamusangano wekuzeya mitemo inobata vatori venhau.
Masangano akazvimirira audza SADC kuti anoda kuti munyika mutange mavandudzwa zvinhu sarudzo dzisati dzaitwa.
Vachitaura pamusangano waitwamuHarare nekomisheni inowona neZEC, pamwe nevemasangano anoshanda akazvimirira, VaMudede vati hurumende haisi kuzobvumidza vari kunze kwenyika kuvhota.
Musangano mukuru weSADC wange uchitarisirwa kuitwa musi weSvondo kuMaputo Mozambique wambosendekwa parutivi.